Exodus 29

Kunatswa kwaVaprista

1“Izvi ndizvo zvaunofanira kuita kuti uvanatse, kuti vandishumire savaprista: Utore hando duku namakondobwe maviri asina chinongo. 2Uye ubike chingwa noupfu hwakatsetseka hwegorosi, husina mbiriso, uye ubike makeke akavhenganiswa namafuta, nezvingwa zvitete zvakazorwa mafuta. 3Uzviise mudengu uye ugozvikumikidza zviri imomo, pamwe chete nehando uye makondobwe maviri. 4Ipapo ugouya naAroni navanakomana vake kumukova wokupinda nawo kuTende Rokusangana ugovashambidza nemvura. 5Tora hanzu ugopfekedza Aroni jasi, nguo yeefodhi neefodhi pachayo uye nechidzitiro chapachipfuva. Usungire efodhi paari nebhanhire romuchiuno rakarukwa nounyanzvi. 6Uise nguwani pamusoro wake uye ugoibatanidza nekorona tsvene. 7Utore mafuta okuzodza ugomuzodza uchiita zvokuadira pamusoro pake. 8Uye vanakomana vake ugovapfekedza majasi 9uye ugoisa mabhanhire omumusoro pamusoro pavo. Ipapo ugosungira ndaza pana Aroni navanakomana vake. Uprista ndohwavo nomutemo usingaperi. Nenzira iyi uchagadza Aroni navanakomana vake.

10“Uuye nehando pamberi peTende Rokusangana, uye Aroni navanakomana vake vachaisa maoko avo pamusoro payo. 11Uiuraye pamberi pomukova wokupinda kuTende Rokusangana. 12Utore rimwe reropa rehando ugoriisa panyanga dzearitari nomunwe wako, uye ugodira rasara racho pahwaro hwearitari. 13Ipapo ugotora mafuta ose akapoteredza zvomukati, zvinoti chiropa, neitsvo dziri mbiri namafuta ari pamusoro padzo, ugoapisa pamusoro pearitari. 14Asi upise nyama yehando nedehwe rayo namazvizvi ayo kunze kwomusasa. Ndicho chipiriso chechivi.

15“Utore rimwe regondobwe, uye Aroni navanakomana vake vagoisa maoko avo pamusoro paro. 16Uriuraye ugotora ropa raro urisase pamativi ose earitari. 17Ucheke gondobwe kuita muzvidimbu zvidimbu uye ugosuka zvomukati, uye makumbo, uchiaisa pamwe chete nomusoro nezvimwe zvidimbu. 18Ipapo ugopisa gondobwe rose paaritari. Ndicho chipiriso chinopiswa kuna Jehovha, chinonhuhwira zvinofadza, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.

19“Utore rimwe gondobwe, uye Aroni navanakomana vake vachaisa maoko avo pamusoro waro. 20Uriuraye, utore rimwe ropa raro ugoriisa pamucheto wenzeve dzorudyi dzavanakomana vaAroni, napazvigunwe zvikuru zvamaoko avo orudyi, nokuzvigunwe zvikuru zvokutsoka dzavo dzorudyi. Ipapo ugosasa ropa pamativi ose earitari. 21Uye ugotora rimwe ropa riri paaritari namamwe mafuta okuzodza usase pana Aroni napanguo dzake uye napavanakomana vake napanguo dzavo. Ipapo iye navanakomana vake nenguo dzavo vachanatswa.

22“Utore pagondobwe iri mafuta, mafuta apamuswe, mafuta akapoteredza zvomukati, akafukidza chiropa, itsvo dzose dziri mbiri namafuta ari padziri, uye nechidya chokurudyi. (Iri ndiro gondobwe rokugadzwa.) 23Kubva padengu rechingwa chakabikwa chisina mbiriso, chiri pamberi paJehovha, utore chimwe chete, nekeke rakavhenganiswa namafuta, uye nechingwa chitete. 24Uise izvi zvose mumaoko aAroni navanakomana vake ugozvininira pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira. 25Ipapo uzvitore kubva mumaoko avo ugozvipisa paaritari pamwe chete nechipiriso chinopiswa chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. 26Shure kwokunge watora chityu chegondobwe rokugadzwa kwaAroni, uchininire pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira uye chichava mugove wako.

27“Unatse mitezo iyo yegondobwe rokugadza raAroni navanakomana vake: chityu chakaninirwa uye chakakumikidzwa. 28Uyu unofanira kuva mugove wenguva dzose unobva kuvaIsraeri, waAroni navanakomana vake. Uyu ndiwo mugove unofanira kupiwa navaIsraeri kuna Jehovha kubva pazvipiriso zvavo zvokuwadzana.

29“Nguo tsvene dzaAroni dzichava dzezvizvarwa zvake kuitira kuti vazodzwe uye vagogadzwa vakadzipfeka. 30Mwanakomana wake achamutevera pauprista uye anouya kuTende Rokusangana kuti azoshumira ari muNzvimbo Tsvene, anofanira kudzipfeka kwamazuva manomwe.

31“Utore gondobwe rokugadzwa ugobika nyama yaro munzvimbo tsvene. 32Aroni navanakomana vake vanofanira kudya nyama yegondobwe uye nechingwa chiri mudengu vari pamukova wokupinda paTende Rokusangana. 33Vanofanira kudya zvipiriso izvi zvavakaitirwa yananiso yokugadzwa kwavo uye nokunatswa kwavo nazvo. Asi hakuna mumwe munhu anofanira kuzvidya nokuti zvitsvene. 34Uye kana pakava nenyama yegondobwe rokugadzwa inosara kana chingwa chipi zvacho chinosara kusvikira mangwana mangwanani, muzvipise. Hazvifaniri kudyiwa, nokuti zvitsvene.

35“Uitire Aroni navanakomana vake zvinhu zvose zvandakakurayira, uchitora mazuva manomwe okuvagadza. 36Ubayire hando zuva rimwe nerimwe sechipiriso chechivi chive chokuyananisa. Unatse aritari nokuiitira yananiso, uye ugoizodza kuti uiite tsvene. 37Mazuva manomwe uyananisire aritari uye uinatse. Ipapo aritari ichava tsvene-tsvene, uye chose chichaigunzva chichava chitsvene.

38“Izvi ndizvo zvaunofanira kupa paaritari nguva dzose zuva rimwe nerimwe: makwayana maviri egore rimwe chete. 39Ubayire rimwe chete mangwanani uye nerimwe chete madekwana. 40Negwayana rokutanga ubayire nechegumi cheefa
marita angaita 2
choupfu hwakatsetseka hwakasanganiswa nechikamu chimwe chete kubva muzvina chehini
rita
chamafuta akabva mumaorivhi akasvinwa, uye chikamu chimwe chete kubva muzvina chehini yewaini chive chipiriso chinonwiwa.
41Ubayire rimwe gwayana zuva richangovira pamwe chete nechipiriso chimwe chetecho chezviyo nechipiriso chacho chinonwiwa sechamangwanani, chive chinonhuhwira zvinofadza, chipiriso chakaitirwa Jehovha nomoto.

42“Chipiriso chinopiswa ichi chinofanira kuitwa nguva dzose pamukova weTende Rokusangana pamberi paJehovha kuzvizvarwa zvose. 43Ipapo ndipo pandichasangana newe uye ndigotaura kwauri, ndipozve pandichasangana navaIsraeri, uye nzvimbo iyi ichatsaurwa nokubwinya kwangu.

44“Saka ndichatsaura Tende Rokusangana nearitari uye ndichatsaura Aroni navanakomana vake kuti vandishumire savaprista. 45Ipapo ndichagara pakati pavaIsraeri uye ndigova Mwari wavo. 46Vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo, akavabudisa kubva muIjipiti kuitira kuti ndigogara pakati pavo. Ndini Jehovha Mwari wavo.

Copyright information for SnaBDSC